Luke 22

Judhasi anopandukira Jesu

1Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera, 2uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu. 3Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri. 4Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei. 5Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari. 6Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.

Chirariro Chokupedzisira

7Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika. 8Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai munotigadzirira Pasika tidye.”

9Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”

10Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda, 11mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’ 12Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura. 15Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. 16Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu. 18Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi. 21Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura. 22Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.” 23Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pakati pavo aizoita chinhu ichi.

24Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose. 25Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri. 26Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda. 27Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda. 28Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu. 29Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo, 30kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.

31“Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. 32Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”

33Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”

34Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

35Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”

Ivo vakati, “Hapana.”

36Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga. 37Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”

38Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”

Akapindura akati, “Zvaringana.”

Jesu Anonyengetera paGomo reMiorivhi

39Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera. 40Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.” 41Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti, 42“Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.” 43Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa. 44Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.

45Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa. 46Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”

Kusungwa kwaJesu

47Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode, 48asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”

49Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?” 50Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.

51Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.

52Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo? 53Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

Petro anoramba Jesu

54Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure. 55Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo. 56Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”

Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira. 61Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” 62Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

Varindi vanoseka Jesu

63Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova. 64Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?” 65uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

Jesu pamberi paPirato naHerodhi

66Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo. 67Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”

Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,
68uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri. 69Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”

70Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”

Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Copyright information for SnaBDSC